2 Timothy 3

Kushaya Umwari paMazuva Okupedzisira

1Asi uzive chinhu ichi: Kuchava nenguva dzokutambudzika pamazuva okupedzisira. 2Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina utsvene, 3vasina rudo, vasingaregereri, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane utsinye, vasingadi zvinhu zvakanaka, 4vanomukira, vanoita manyawi, vanonyengera, vanoda kuzvifadza nezvenyika kupfuura Mwari; 5vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari asi vachiramba simba racho. Siyana navanhu ivavo.

6Nokuti ndivo vaya vanoverevedza vachipinda mudzimba vachitapa vakadzi vasingazvibati vakaremedzwa nezvivi zvizhinji, 7vanogara vachidzidza asi vasingatongosviki pakuziva chokwadi. 8Sezvakaita Janesi naJambiresi vakadzivisa Mozisi, varume avawo vanodzivisa zvokwadi, vanhu vane ndangariro dzakaora, kana pari pazvinhu zvokutenda, vakarasika. 9Asi havangasviki kure, nokuti upenzi hwavo huchaonekwa navanhu vose.

Pauro anorayira Timoti

10Asi kunyange zvakadaro, iwe unoziva kudzidzisa kwangu kwose, mararamiro angu, chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, norudo, nokutsungirira, 11matambudziko, nhamo, nezvinhu zvose zvakaitika kwandiri muAndioki, Ikoniamu nomuRistra, nokutambudzwa kwose kwandakasangana nako. Asi Ishe akandinunura kubva pazviri zvose. 12Zvirokwazvo munhu wose anoda kurarama upenyu hwoumwari muna Kristu Jesu achatambudzwa, 13asi vanhu vakaipa navanonyengera vachanyanyisa kuipa, vachinyengera nokunyengerwa. 14Asi iwe, rambira pazvinhu zvawakadzidza uye ukatenda mazviri, nokuti unoziva kuti wakazvidzidza kubva kuna ani, 15uye kuti kubva pauduku wakaziva Magwaro matsvene, anogona kukupa uchenjeri hunosvitsa kukuponeswa kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu. 16Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama, 17kuti munhu waMwari akwaniswe kwazvo, agadzirirwa mabasa ose akanaka.

Copyright information for SnaBDSC